|
![]() |
|||
|
||||
OverviewKuverenga matetembo ano kwakafanana nekufa uchimuka. Uchifa uchimuka zvakare. Unoita seuri kuteerera izwi reshamwari yawaiziva kare kare mabwe achiri manyoro, asi nhasiyazodzoka yave baba vababa vababa vako paudzamu. Ndadaro nekuti muna Huchi Hwenduri tiri kurairwa tisina kubvisa mari yechikoro neyebhondingi neyeruvako. Pano hapana ari kukumanikidza kumhanya kana kugara pasi. Kana kukwira mumuti. Asi ukatanga kuverenga zviri pano, unotanga kuoneswa kuti, ""wechida chiro, juruja nemwero."" Pamwe pacho woonawo wega kuti, ""zvimwewo chingoti dongo dongo, kudongorera,"" kuti zvifambe. Nguva inogonaka ""kupera uchipedza nguva!"" Matetembo aya andifadza nekuti anoziva kuti ndiri munhuwo mukuru asingade kuudzwa zvekuita. Ndiri kungoyeuchidzwa zvekuita. Ndiri kuratidzwa zvinangwa zvandaive nazvo kuti ndirambe ndiripo. Mutauro uri pano wakapfava senyama yemhuru zvekuti iwe ingouya nemoto nemunyu chete. Zvino pano zvapaita huchi pasina nyuchi, uchati chakutadzisa kunomborawo sevana vevamwe chii? Mudetembi wedu, Ushehwedu Kufakurinani haasi munhu wekutamba naye! Memory Chirere, University of Zimbabwe Full Product DetailsAuthor: Ushehwedu KufakurinaniPublisher: Carnelian Heart Publishing Ltd Imprint: Carnelian Heart Publishing Ltd Dimensions: Width: 15.20cm , Height: 0.50cm , Length: 22.90cm Weight: 0.104kg ISBN: 9781914287879ISBN 10: 1914287878 Pages: 78 Publication Date: 20 June 2025 Audience: General/trade , General Format: Paperback Publisher's Status: Active Availability: In Print ![]() This item will be ordered in for you from one of our suppliers. Upon receipt, we will promptly dispatch it out to you. For in store availability, please contact us. Language: Shona Table of ContentsReviewsAuthor InformationTab Content 6Author Website:Countries AvailableAll regions |